3 Nonzira ibodzi bodziyo dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nounhu hunoremekedzeka, vareke kuva nomakuhwa kana kuva varanda vokumwa. Vanofanira kudzidzisa zvidonaka, 4 kuti vadzidzise vakadzi vochidiki kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo, 5 kuti vave vanozvidzora, vadochena, vanochengeta imba, vanotsitsi, vanozviisa pasi povarume vavo, kuti shoko raMwari rireke kushorewa.