4 Asi padooneka kunaka nounyoro hwaMwari Muponisi wedu, 5 adotiponesa aikona nokuda kwomabasa yadonaka yatidoita, asi nokuda kwomutsa wache adotiponesa nonzira yokushambidza kwokuzvahwa patsva nokuvandudziwa naMweya Mutsvene, 6 waadodurura achiwanza patiri kuburikidza naJesu Khirisitu Muponisi wedu,