16 Yakareya ndomaziviro yatinoita rudo, kuti Jesu Khirisitu adopasa upenyu hwache pamusaka pedu. Naisisuwo tinofanira kupereka upenyu hwedu nokuda kwohama. 17 Kana munhu anozvinhu zvinobatsira akaona hama yache isinai, akareka kumunzvira tsitsi, rudo raMwari ringagare tini mumunhu wakareyo? 18 Vana vadiki, mbatirekei kuda nomazvi kana nokundonyaira basi, asi mbapave nozviito nochokwadi.