Pular para o conteúdo
Publicidade

1 Pedro 5

2 Risai boka raMwari riri pasi penyu. Itai zvakarezvo aikona nokusukumidziwa, asi nokuti munoda, sezvinodiwa naMwari kuti muite, musingaitire nhafu yokuda mari, asi chido chokushumira. 3 Musingaremedze vamunotungamira, asi muve mienzaniso kuboka. 4 Uye pachaonekwa Nyakabusa Mukuru muchatambira korona yokubhwinya isingaumbuke.

5 Saizvozvowo imipa vadiki nonzira ibodzibodziyo zviisei pasi povakuru. Mese zvenyu zvisimidzei kuzvininipisa, umwe kuno umwe, nokuti, "Mwari anopikisana novanozvikudza, asi anopasa mutsa kuno vanozvininipisa."

Veja também

1 Pedro
Ver todos os capítulos de 1 Pedro