11 Sezvo zvinhu zvese zvazvichaparara daipa, munofanira kuva vanhu vadoita tini? Munofanira kurarama upenyu hutsvene hunoumwari, 12 mudomirira zuva raMwari rinokurumidza kusvika. Zuva rakarero richauyisa kuparadziwa nomoto kwomatenga, nozvinhu zvayene zvichanyungudika nochithuthu chikuru. 13 Asi maererano nochivimbiso chache tinotarisira denga ritsva nonyika itsva, munogara kururama.