Pular para o conteúdo
Publicidade

2 Pedro 3

3 Chokuthanga, munofanira kunzvitsitsa kuti mumazuva yokupedzisira vaseki vachauya vachiseka nokuzvidza. Vachitevera zvido zvavo zvidoipa 4 vachiti, "Chiri poi chivimbiso chokuuya kwache? Ndava chipfiro chidoita madzibaba yedu, zvinhu zvese zviri paugariro hwazvene kubva pachisikihwo!" 5 Vanokangamwa utova kuti matenga nonyika zvanga zviripo kare zvidoitiwa noshoko raMwari, nonyika idoitiwa nomvura uye kubva mumvura, 6 futi kuburikidza nomvura yakareyo nyika yanga iripo idonyudziwa nokuparadziwa. 7 Noshoko ribodzibodziro matenga nonyika zvazvino zvidochengetehwa zuva rokutonga norokuparadziwa kwovanhu vasinai umwari.

Veja também

2 Pedro
Ver todos os capítulos de 2 Pedro