Kupasa Kutenda noKukurudzira
3 Ndinotenda Mwari wandinoshumira nohana idochena, kunge zvidoitiwa nomadzibaba yangu, pandinokuyeuka muminamato yangu. 4 Pandinoyeuka misodzi yako, ndinosuva kukuona masikati nousiku, kuti ndizaziwe nomufaro. 5 Ndiri kufungisiwa kutenda kwako kudoperera, kutenda kudothanga kugara munaambuya vako Roisi nomuna mai vako Yunisi, iye zvino ndinochokwadi kuti kuri mauri.