11 Ndinorevaba zvakarezvi nokuda kwokuti ndinosaya, nokuti inipano ndidodzidza, panozvese kugutsikana nozvandinazvo. 12 Ndinoziva urombo, futi ndinozivawo kuva nozvidowanda; pachinhu chipi nochipi nopazvinhu zvese ndidodzidza chidosvisvika chokuziva kuguta nokunzva nzara, kuva nozvidowanda nokusaya. 13 Ndinoita zvese kuburikidza naiye anondipasa simba.