6 mutariri wokherekhe anofanira kuva munhu asinai chaanonenedzehwa, murume womukadzi mubodzi, anovana vanotenda vasingapasiwe mhosva yokusazvidzora kana kuti vanoteereraba. 7 Nokuti mutariri wobasa raMwari anofanira kuva munhu asinai chinhu chaanonenedzehwa, anofanira kuva asinai nharo kana anokurumidza kugumbuka kana anokorewa kana anoita botso kana anonhafu yomari, 8 asi anobata varendo zvidonaka, anoda zvidonaka, anozvibata, adorurama, mutsvene, futi anozvidzora, 9 anofanira kubatitsitsa shoko rochokwadi ridovimbika sezvarinodzidzisiwa, kuitira kuti agone kuraira vamwe nodzidziso idorurama, nokugona kukohorora vanoipikisa.