12 Ndiri kukunyorerai vana vadiki, ndava zvitadzo zvenyu zvidoregerehwa nopamusaka pozita rache. 13 Ndiri kukunyorerai majaha ndava mudokunda adoipa. Ndiri kukunyorerai anababa, ndava munoziva iye wanga aripo kubva pakuthanga.
14 Ndinonyora kwamuri vana, ndava munoziva Baba. Ndinonyora kwamuri anababa, ndava munoziva uyo wanga aripo kubva pakuthanga. Ndinonyora kwamuri majaha, ndava mudosimba, apa shoko raMwari rinogara mamuri, futi mudokunda uye adoipa.
15 Rekai kuda nyika nozvinhu zviri mairi. Kana umwe akada nyika, rudo raMwari harisi maari.