10 Rakareri ndiro rudo, aikona kuti tidoda Mwari, asi kuti iye adotida ndokutuma Mwanakomana wache kuti ave chibairo chozvitadzo zvedu.
11 Hama dzangu, sezvo Mwari adotiditsa daipa, tinofanira kudananawo pakati pedu. 12 Hapanai adomboona Mwari, asi kana tikava norudo pakati pedu, Mwari anogara matiri futi rudo rache rinozazisiwa matiri.