16 Saka tinoziva futi tinotenda rudo raMwari kwatiri.
Mwari rudo, uyo anogara murudo anogara muna Mwari naMwari anogara maari. 17 Munozvakarezvi rudo rinozazisiwa pakati pedu, kuti tive nochivimbo pazuva rokutongewa, ndava fanike zvaadoita iye ndizvo zvatidoitawo panyika ino. 18 Hapanai kucha murudo, asi rudo ridokwana rinodzingidza kucha. Ndava kucha kunochokuita nokutongewa. Wese anocha haanai kukwana parudo.