21 Zvakarezvi ndizvo zvamudodaidzihwa, ndava Khirisitu adokutambudzikirai, achikusiirai muenzaniso, kuti mutevere tsoka dzache. 22 Hapanai chitema chaadoita, futi hapanai kunyengedza kudowanika pamuromo wache. 23 Pavadomunyomba, haanai kudzotsera, paaitambudziwa haanai kuchichidzira. Asi adovimba naiye anotonga zvidokodzera. 24 Iye pachake adotakura zvitema zvedu mumuiri wache pamuchinjikwa, kuitira kuti tipfe kuzvitema tiraramire kururama, nomavanga yache mudoporesewa.