20 isinai kuteerera Mwari kare paadomirira nomwoyo murefu pamazuva yaNowa panga pachivakhiwa ngarava. Mairi vanhu vashoma vanokwana vasere basi ndivo vadoponesewa nomvura. 21 Mvura yakarei inosurudzira ruombeko rinokuponesaiwo zvino, kusiri kubisiwa tsambwa yomuviri asi kuruvira hana idochena kuna Mwari. Rinokuponesai kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu, 22 uyo adoenda kudenga futi ari kujanja roruji raMwari. Ngirozi, vakuru nomasimba zvidoisiwa pasi pache.