Pular para o conteúdo
Publicidade

1 Pedro 4

Upenyu Hudosanduhwa

1 Sezvo Khirisitu adotambudzika mumuviri wache, naimipawo zvigadzirirei kuva nopfungwa dzakaredzo, ndava wese watambudzika mumuviri warekera chitema, 2 zvoita kuti, muupenyu hwache hwese ararame mukuda kwaMwari, areke kudzorarama muzvido zvidoipa zvonyama. 3 Ndava nguwa idokwana yamaiita zvinodiwa novasiri vatendi uye idodarika kare pamairarama muundururani, kuchiva, kuredzera, mapira, kufumuka, nokushopera kunosemesa. 4 Vanoshamisika kuti hamubatane navo pakusazvibata kwavo, vobva vakunyombai, 5 asi vachazvidairira kuna iye adogadzirira kutonga vapenyu novadopfa.

Veja também

1 Pedro
Ver todos os capítulos de 1 Pedro