2 zvoita kuti, muupenyu hwache hwese ararame mukuda kwaMwari, areke kudzorarama muzvido zvidoipa zvonyama. 3 Ndava nguwa idokwana yamaiita zvinodiwa novasiri vatendi uye idodarika kare pamairarama muundururani, kuchiva, kuredzera, mapira, kufumuka, nokushopera kunosemesa. 4 Vanoshamisika kuti hamubatane navo pakusazvibata kwavo, vobva vakunyombai, 5 asi vachazvidairira kuna iye adogadzirira kutonga vapenyu novadopfa. 6 Chakarechi ndicho chikonzero vhangeri ridoparidziwa kuno vadopfa, kuitira kuti kana vatongewa nonzira yovanhu vari mumuviri, asi vararame mumweya kunge Mwari.
Vachengeti Vadonaka Vozvipo zvaMwari
7 Kuguma kwozvinhu zvese kwava papfupi, nokudaro ivai nopfungwa dzidojeka muchizvidzora kuti mugone kunamata.