Vatungamiri woKherekhe
1 Uku kunyaira kwochokwadi, Wese anoda kuita mutungamiri, anoda basa ridonaka. 2 Manje mutariri anofanira kuva asinai chinoshoreka, mbaave murume ano mukadzi mubodzi, munyoro, anozvidzora, anoremekedzeka, anogamuchira varendo, futi anokona kufundisa, 3 aikona anokorewa, aikona anoita botso asi munyoro, asingaite zvobopoto, futi mbaave asingaditse mari. 4 Anofanira kuva anokwanisa kudzora mhuri yache zvidonaka, nokuva nochokwadi chokuti vana vache vanoteerera, futi vanokuremekedza kwese, 5 ndava kana iye asingagone kutungamirira mhuri yache, angadzokona tini kutungamirira kherekhe yaMwari? 6 Anofaniraba kuva mutendi mutsva, nondava yokuti anodzozvikudza wopinda mukutongewa pabodzi najabhurosi. 7 Futi anofanira kupupurihwa zvidonaka novanhu vokunze, kuti areke kudzopinda pakunyadzisiwa nomuriva rajabhurosi.