12 muchipasa kutenda kuna Baba, adokuitai kuti muve vadokodzera kukovehwa nhaka yovatsvene muchiedza choumambo. 13 Iye adotisunungura kubva pamasimba yorima ndokutiisa muumambo hwoMwanakomana wache waanoda. 14 maari tinorudzikinuro, iko kurekerehwa zvitema.
Khirisitu noBasa Rache
15 Khirisitu ndiye mufananidzo waMwari asingaoneke, ndiye dangwe rozvisikwa zvese, 16 nokuti maari zvinhu zvese zvidosikiwa, zviri kudenga nozviri panyika, zvinooneka nozvisingaoneke, zvingave mipando youshe kana ushe kana vatongi kana vanomasimba. Zvinhu zvese zvidosikiwa kuburikidza naye uye zvidosikihwa iye. 17 Ndiye anothangira zvinhu zvese, uye maari zvinhu zvese zvidobatana pabodzi.