Phauro anoDzuma Kefasi paAndiyoki
11 Asi Kefasi paadouya kuAndiyoki, ndidomupikisa pachena, ndava waidzonga. 12 Ndava varume vadobva kuna Jakobho vasinati vauya, waija novatendi vasiri vaJudha. Asi pavadouya, adothanga kusuduruka achizvikamura kubva kwavari, achicha vaJudha vokuchecheudziwa. 13 Vamwe vatendi vochiJudha vadobatanawo naye paunyengeri hwache, zvokuti naBhanabhasi adotsambutsiwawo nounyengeri hwavo. 14 Asi pandidoona kuti havasi kutekaira pamutsetse unoenderana nochokwadi chovhangeri, ndidoti kuna Kefasi pamberi pavo vese, "Iwepa uri muJudha, asi wanga uchirarama kunge usiri muJudha aikona semuJudha. Ko zvino sei uri kusukumidza vasiri vaJudha kutevera tsika dzovaJudha?"