3 Patinoisa mathomu mumiromo yomabhiza kuti yatiteerere, tinokhonesa muviri wayene wese. 4 Kana kutora muenzaniso wozvikepe, kana zvidotokura sei uye zvichisundiwa nomhepo inosimba, zvinokhomutsiwa nochidzoreso chidikidiki zvichienda kunodiwa nomuchairi. 5 Ndomwenze chirimi nyhidikidiki pamuviri, asi chinozvikudza maninge.
Fungai makuriro yosango rinopisiwa nokamoto kadikidiki! 6 Kana nochirimi moto, inyika yozvidoipa pakati ponhengo dzomiviri yedu, chinosvipisa muviri wese womunhu, chinobatidza moto upenyu hwese, icho pachacho chinobatidziwa nomoto wogehena. 7 Marudzi yomhuka dzese, tushiri, zvinosvova nozvirombo zvomugungwa zvinogona kupingudziwa uye zvidombopingudziwa nomunhu, 8 asi hapanai munhu anokwanisa kupingudza chirimi. Hachidekharike pakuipa, chidozara nonduru inobaya.