9 Nochirimi tinorumbidza Ishe naBaba, nacho tinotukana vanhu, vadosikiwa mumufananidzo waMwari. 10 Kubva mumuromo mubodzi bodziyo munobirika rumbidzo nokutukana. Hama dzangu izvozvo zvinofaniraba kudaro. 11 Ko kasipiti kangabirike mvura idonaka noinochochora nai? 12 Hama dzangu, mukuyu ungabereke maorivhi, kana muzambiringa kubereka huyu? Nokasipiti komvura inochochora hakangabiritse mvura idonaka.
Publicidade