Kusava noUshamwari noNyika
1 Chii chinokonzera hondo, chii chinokonzera botso pakati penyu? Zvinobvaba pazvido zvenyu zvinohwisana mukati menyu? 2 Munoda chinhu asi hamuchiwane, saka munobaya. Futi munochiva asi hamuwane zvamunoda saka munoita botso nokumutsa hondo, futi hapanai chamunacho, ndava munokumbiraba Mwari.