6 Munozvakarezvi zvese munofara maninge, kana zvazvene kwonguwa ino ipfupi muchifanira kudzudziwa nomarudzi yese yomiyedzo. 7 Zvakarezvi zvidouya kuitira kuti pakuonekwa kwaJesu, kutenda kwenyu kunokosha kukunda ndarama, inoparara kana zvayene ichinatsiwa nomoto, kuwanike kuri kwochaiko kunofanira kuva nopembedzo, kubhwinya nokuremekedzewa. 8 Kana zvenyu musinai kumuona, munomuda, kana zvenyu musiri kumuona manje, munotenda kwaari uye mudozara nomufaro mukuru usingataurike, 9 ndava muri kutambira zvinobva pakutenda kwenyu, iro ruponiso romweya yenyu.