Boka raMwari
1 Ndinokumbira vakuru vari pakati penyu, semukuru biyavo, ndiriwo pfakazi yokutambudzika kwaKhirisitu nouyo achakovehwa kubhwinya kucharatidziwa. 2 Risai boka raMwari riri pasi penyu. Itai zvakarezvo aikona nokusukumidziwa, asi nokuti munoda, sezvinodiwa naMwari kuti muite, musingaitire nhafu yokuda mari, asi chido chokushumira. 3 Musingaremedze vamunotungamira, asi muve mienzaniso kuboka.