Gadzirirai Kuuya kwaIshe
1 Zvino hama, pamusoro ponguwa nomwaka, hapanai chinhu chamungade kuti munyorehwe. 2 Nokuti imimi pachenyu munonatsa kuziva kuti zuva raIshe richauya kunge mbavha usiku. 3 Vanhu pavanoti, "Kuno runyararo nokudekharika," pakarepo kuparadziwa ndopakunouya pavari chivhurumukihwa kunge kudzimbiwa kwomukadzi waakuda kupona, futi panenge pasinai kupukunyuka.