Pular para o conteúdo
Publicidade

1 Tessalonicenses 5

Gadzirirai Kuuya kwaIshe

1 Zvino hama, pamusoro ponguwa nomwaka, hapanai chinhu chamungade kuti munyorehwe. 2 Nokuti imimi pachenyu munonatsa kuziva kuti zuva raIshe richauya kunge mbavha usiku. 3 Vanhu pavanoti, "Kuno runyararo nokudekharika," pakarepo kuparadziwa ndopakunouya pavari chivhurumukihwa kunge kudzimbiwa kwomukadzi waakuda kupona, futi panenge pasinai kupukunyuka. 4 Asi hama, hamuzi murima, kuti zuva rakarero rikushamisei kunge mbavha, 5 nokuti mese muri vanakomana vochiedza futi vanakomana vomasikati. Hatisi vousiku kana vorima.

Veja também

1 Tessalonicenses
Ver todos os capítulos de 1 Tessalonicenses