Ubodzi Muna Khirisitu
11 Saka yeukai kuti kare imipa vokuzvahwa musiri maJudha, muchidaidziwa kuti vasinai kuchecheudziwa naivo vanozvidaidza kuti vokuchecheudziwa, zvinova zvinhu zvidoitiwa nomanja pamuviri. 12 Yeukai kuti panguwa yakareyo manga mudopararanisiwa naKhirisitu, mudokamuhwa muchibiritsiwa kunzvahwa dzovaIzirairi, muri vatohwa kuzvibvumirano nokuno zvidovimbisiwa. Manga musinai tariro futi musinai Mwari panyika. 13 Asi zvino muna Khirisitu Jesu imipa manga muri kurefurefu mudonyedzewa papfupi nogazi raKhirisitu.