25 Naizvozvo, munhu wese mbaabiritse mabhwodo, munhu wese mbaataure chokwadi kumabiyake, ndava tese tiri nhengo dzomuviri mubodzi. 26 Karipai asi regai kuita chitadzo, zuva mbarireke kudoka mudondomwamwa, 27 futi rekai kupasa nzvimbo kuna jabhurosi. 28 Mbavha mbaireke kudzoba pakare, asi mbaashandewo, aite basa nokutendeka nomaoko yache, kuti agonewo kupasa vanoda kuyamuhwa. 29 Rekai kutendera kunyaira kudonyangara kuchibirika mumiromo yenyu, asi mbakuve kudonaka kunovakha, zvichienderana nomamiriro yozvinhu, kuti kupase mutsa kunovanonzva. 30 Futi regai kugumbura Mweya Mutsvene waMwari, adoisiwa pamuri kuti ave chisimbiso kusvikira pazuva rokudzikinuhwa. 31 Kuvirai kurefu naimimi kuchenama kwese, kukaripa nokumwamwa, kupopotana noguhwa, nokurongerana zvinhu zvidoipa kwese. 32 Ivai notsitsi futi muchiyamurana, moregererana fanike kuregerehwa kwamudoitiwa naMwari muna Khirisitu.