1 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu;
zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
2 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu,
uye urege kukanganwa mikomborero yake yose,
3 iye anokanganwira zvivi zvako zvose,
uye anoporesa kurwara kwako kwose,
4 anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba,
uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,