Kuregerera Mutadzi
5 Asi kana pano adokonzera mahwadzo, adodzimbaba inini pasinai kuingidzira asi kutoti adodzimba imimi mese. 6 Kumunhu adodaiyu kuranga ikoku kworuzinji kudokwana, 7 saka munotofanira kuchimuregerera momunyaradza, kuti areke kusuwa zvokutoora mwoyo. 8 Nokudaro ndinokumbira kuti musimbise kamu rudo renyu kwaari.