Shoko raMwari kuburikidza noMwanakomana wache
1 Kare Mwari adonyaira kumadzibaba yedu nomitoo mizinji uye nonzira dzidowanda kuburikidza novaporofiti, 2 asi mumazuva yakareyano yokupedzisira adonyaira kwatiri kuburikidza noMwanakomana wache, waadogadza kuva muji wonhaka yozvinhu zvese, waadosikawo naye zvinhu zvese. 3 Ndiye chiratidzo chokubhwinya kwaMwari nochimiro chache chaicho, anochengeta zvisikwa zvese nosimba roshoko rache. Paadopedza kukohorora zvitadzo, adogarikika kujanja roruji roUkuru kudenga.