16 Nokuti pano chibvumirano panofanirawo kuva noipfa yowakareyo adoita chibvumiranocho. 17 Nokuti chibvumirano chinothanga kushanda chete kana paita ipfa yoadochiita, nokuti hachinai masimba kana adochiita achiri mupenyu. 18 Nokudaro kana chibvumirano chokuthanga hachinai kuitiwa pasinai gazi. 19 Nokuti Mozisi paadopedza kunyaira kuvanhu vese maererano nomutemo, adotora gazi rotumhuru norombudzi, pabodzi nomvura noukuse hutsvuku notumathai tokamuti kanonzi hisopi ndokuwazira bhuku pacharo novanhu vese, 20 achiti, "Rakareri ndiro gazi rochibvumirano chamudoraihwa naMwari kuti muchengete."