27 Manje wese, anoja zingwa kana kumwa mukombe waIshe nomutoo usingakodzere achava nomhosva yokutadzira muviri nogazi raIshe. 28 Munhu mbaazviwongorore, wodzoja zingwa nokumwa pamukombe. 29 Ndava ani zvache anoja nokumwa nokusacherechedza muviri waIshe anoja nokumwira kuti azvitorere kutongewa.
Publicidade