Kumhangarirana kwomaKhirisitu
1 Kana mabiyako ano chigumbu nohama, angaende komhangara kuno vasingatende nai panokuti aende kuvatsvene? 2 Munozivaba nai kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichidzotongewa naimimi, mungavhuwire tumhosva tudikidiki? 3 Munozivaba kuti tichatonga ngirozi? Manje panyaya dzoupenyu huno, zvidotofanira zvidonyanya! 4 Zvino kana muno nyaya dzidodaro, sei muchidziisa pamberi poavo vanoonewa vari vopasipasi nokherekhe? 5 Ndinotaura izvi kuti ndikunyadzisei. Zvingave izvo nai kuti hapanai munhu pakati penyu adochenjera zvidokwana kuti aenzanise pakati pohama?