10 Kuno vadoroora ndinoraira, aikona inini asi Ishe, kuti mukadzi mbaareke kusiyana nomurume wache 11 asi kana akamusiya, mbaagare wega kana kudzokerana nomurume wache - uye kuti murume mbaareke kuramba mukadzi wache.
12 Kuvamwe vese ndinoti, aikona Ishe, kana hama inomukadzi asingatende, uye achida kugara naye, mbaareke kumuramba.