1 Zvino pamusoro pozvamudondiyorera. Zvidonaka kuti murume areke kuroora mukadzi. 2 Asi nokuda kwomuedzo woupombwe, murume wese mbaave nomukadzi wache nomukadzi wese ave nomurume wache. 3 Murume mbaapase mukadzi wache kodzero dzobonde, nomukadzi mbaadarowo kumurume wache. 4 Ndava mukadzi anotongaba muviri wache, asi murume, nzvibodziwo nomurume anotongaba muviri wache, asi mukadzi. 5 Rekai kunyimana kunze kwokunge matobvumirana kwonguwa idiki, kuti muzvipe pakunamata, modzosangana kamu, ndava Sathani angakuedzei kuburikidza nokutadza kuzvibata.
6 Ndinotaura izvi senzira yokubvumira, aikona murairo. 7 Ndaida kuti dai vese vadoita sezvandiri inini. Asi munhu wese anochipo chache chidotsarukana kubva kuna Mwari, chomushoo udosiyana nochimwe.
8 Kuno vasinai kuroora novajiche ndinoti kwavari hasa kuti varambe vari vega sezvidoita inini. 9 Asi kana vasingakwanise kuzvibata, mbavaroore kana kuroohwa. Ndava hasa kuroora kana kuroohwa panokukangika noshungu.
10 Kuno vadoroora ndinoraira, aikona inini asi Ishe, kuti mukadzi mbaareke kusiyana nomurume wache 11 asi kana akamusiya, mbaagare wega kana kudzokerana nomurume wache - uye kuti murume mbaareke kuramba mukadzi wache.
12 Kuvamwe vese ndinoti, aikona Ishe, kana hama inomukadzi asingatende, uye achida kugara naye, mbaareke kumuramba. 13 Kana mukadzi anomurume asingatende, uye kana achida kugara naye, mbaareke kumuramba. 14 Ndava murume asingatende anoitiwa mutsvene kuburikidza nomukadzi wache, nomukadzi asingatende anoitiwa mutsvene kuburikidza nomurume wache. Dai zvisiri izvo, vana venyu dai vadosvipa, asi manje mbatsvene. 15 Asi kana asingatende wacho wada kusiya, mbazviite daro, padodaropo hama kana hanzvadzi idosungiwaba. Ndava Mwari adotidaidzira runyararo. 16 Mukadzi, uchaziva tini kana uchaponesa murume wako? Murume, uchaziva tini kana uchaponesa mukadzi wako?
17 Chete, munhu wese mbaararame upenyu hwaadotumiwa naIshe, huri hwaadodaidzihwa naMwari. Uku ndiko kuraira kwangu mukherekhe dzese. 18 Pano wanga adochecheudziwa kare panguwa yokudaidziwa kwache chere? Mbaareke kutsvaga kubisa zvidzvanga zvokuchecheudziwa. Pano wanga asinai kuchecheudziwa panguwa yokudaidziwa kwache chere? Mbaareke kutsvaga kuchecheudziwa. 19 Ndava kuchecheudziwa kana kusachecheudziwa hakunai basa, asi kuchengeta mitemo yaMwari. 20 Munhu wese mbaagare mumamiriro yaanga ari pakudaidziwa kwache. 21 Paudodaidziwa waiva muranda chere? Hazvinai basa. Asi kana uchigona kuwana rusununguko hwako, zvitorere mukana wacho. 22 Ndava uyo adodaidziwa muna Ishe ari muranda munhu adosununguka waIshe. Ndomwenzewo nowanga adosununguka pakudaidziwa wava muranda muna Khirisitu. 23 Mudotengewa nomutengo, rekerai kuva varanda vovanhu. 24 Saka, hama, mamiriro yapi zvayene munhu yadodaidziwa ari naMwari, mbaagare daro.
25 Zvino pamusoro povasinai kuroorewa, handinai murairo waIshe, asi ndinopereka pfungwa yangu seuyo adowana tsitsi nokutendeka kubva kuna Ishe.
26 Ndinofunga kuti nokuda kwonhamu iripo zvidonaka kuti munhu agare ari zvaari. 27 Udosungiwa pamukadzi chere? Reka kutsvaga kusununguhwa. Udosununguhwa pamukadzi chere? Reka kutsvaga kuroora. 28 Asi kana ukaroora, haunai kutadza, uye kana musikana akaroohwa haanai kutadza. Asi vanoroorana vano zvinetso zvonyika, inini ndinoda kukubisai pazviri.
29 Hama, zvandinoreva, nzvokuti nguwa yasara yava ipfupi maninge kubva zvino, avo vano vakadzi mbavararame kunge vasinai, 30 noavo vanorira kuita kunge vasiri kurira, noavo vanofara kunge vasiri kufara, noavo vanotenga kuita kunge vasinai chinhu, 31 noavo vanoshanda nozvinhu zvonyika kunge vasinai kusungiwa nazvo. Ndava mamiriro yonyika ino yarikupfuura.
32 Ndinoda kuti musununguke pakushushikana. Murume asinai kuroora anoshushiwa nonyaya dzaIshe kuti angafadze tini Ishe. 33 Asi murume adoroora anoshushiwa nonyaya dzonyika, kuti angafadze tini mukadzi wache, 34 nozvido zvache zvidogovanika. Uye mukadzi asinai kuroohwa kana musikana anoshushiwa nonyaya dzaIshe, kuti angave tini mutsvene pamuviri nopamweya, asi mukadzi adoroorewa anoshushiwa nonyaya dzonyika, kuti angafadze tini murume wache.
35 Ndinonyaira izvi kuti zvikunakirei, aikona kukudzipai, asi kuti zvisumudzire kurongeka kudonaka nokuchengeta kuzvipa kwenyu kuna Ishe kusinai kugovanika.
36 Kana pano anofunga kuti haasi kuita mushe kumhandara yaadokonza, kana ano shungu dzidosimba, uye zvichifanira kudaro, mbaaite zvaarikuda: mbavaroorane, chitemaba. 37 Asi upi zvache wazvipira zvidosimba mumwoyo mache, asinai chinomusukumidza asi achigona kuzvidzora, uye kana wazvisunga mumwoyo mache, kuti areke kumuroora, naiyeyu anoitawo zvidonaka. 38 Saka uyo anoroora waadokonza, anoita zvidonaka, uye anoreka kuroora anoita zvidonakitsa.
39 Mukadzi adosungiwa kumurume wache kana murumeyo achiri mupenyu. Kana murume wapfa, wasununguka kuti aroorewe nowaanoda, asi mbaave anotenda muna Ishe basi. 40 Asi pakuona kwangu anonyanyitsa kufara kana akagara adodaro. Uye ndinofunga neniwo ndinoMweya waMwari.