3 Kurumbidziwa mbakuve kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, Baba votsitsi naMwari vanopasa kunyaradza kwese, 4 anotinyaradza mukutambura kwedu kwese, kuitira kuti tikwanise kunyaradza avo vari pakutambura kupi nokupi, nokunyaradza kwatinonyaradziwa nako isisu naMwari.