7 Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yoivhu, kunangidza mukungudziro woukuru hwomasimba kuti yanobva kuna Mwari aikona kwatiri. 8 Tinotambudziwa nonzira dzese, asi hatinai kuthachuriwa, kushungurudziwa, asi tisingapere tariro, 9 tinotambudziwa, asi tisinai kusiiwa, tinongwoshehwa pasi asi tisinai kuparadziwa. 10 Nguwa yese tinotakura mumuviri wedu ipfa yaJesu, kuitira kuti upenyu hwaJesu hunangidziwe mumuviri wedu. 11 Ndava isisu vapenyu tinogara tichiisiwa paipfa nokuda kwaJesu, kuitira kuti upenyu hwaJesu huratidziwe mumuviri wedu unopfa.
Publicidade
Publicidade