Ukama naMwari Kuburikidza naKhirisitu
11 Sezvo, tichiziva kuti kucha Ishe kuita tini, tinoedza kupenzveredza vanhu, asi zvatiri zvinozikana naMwari, futi ndinovimba kuti zvinozikanawo nohana dzenyu. 12 Hatisi kuzvipupurira kamu kwamuri asi tiri kukupasai mukana wokuti mudade nesu, kuti mugone kupindura avo vanodada nozvinooneka vasingadade nozvavari mumwoyo. 13 Ndava kana tichipenga, nzvaMwari, kana tisingapenge, nzvenyu. 14 Ndava rudo raKhirisitu rinotisukumidza, ndava tinotendesewa kuti mubodzi adopfira vese, saka vese vadopfa. 15 Uye adopfira vese, kuti vanorarama vareke kudzozviraramira asi vararamire iye adopfa nokuda kwavo achibva wamutsiwa kamu.
16 Kubva zvino, nokudaro hatichaona munhu nomaonero yonyika, kana zvedu taimboona Khirisitu nomaonero yonyika, hatichamuona daro. 17 Saka kana munhu wava muna Khirisitu, wava chisikwa chitsva, zvokare zvapfuura, chokwadi, zvitsva zvauya. 18 Zvese izvi zvinobva kuna Mwari, uyo adotiyananisa kwaari kuburikidza naKhirisitu achibva watipasa ushumiri hwokuyananisa, 19 ndiko kuti, muna Khirisitu Mwari wanga achiyananisa nyika naiye, asingaverengere vanhu kutadza kwavo. Achibva watituma noshoko rokuyananisa. 20 Saka tiri vamiririri vaKhirisitu, Mwari searikupereka chikumbiro chache kuburikidza naisisu. Tinokukumbirai nokuda kwaKhirisitu, kuti yananisiwai naMwari. 21 Mwari adoita kuti uyo wanga asinai chitadzo ave chitadzo nondava yedu, kuti maari tive kururama kwaMwari.