10 Ndava kusuwa kwoumwari kunozvara kupinduka kunouyisa ruponiso pasinai kuzvija mwoyo, asi kusuwa kwonyika kunozvara ipfa. 11 Chionai kuti kusuwa kwakareku kwoumwari kudouyisa chii kwamuri, kudouyisa kushingaira zvidonyanya, futi kuditsa kuti zvese zvijeke pamusoro penyu, kudodzouyisa kukaripa kudonyanya, nokunyanyitsa kuzviisa pachenu, kuva nochisuwo chikuru, kuva nohanya kudonyanya, kuzvigadzirira kuita zvidonakira vese kudonyanya! Mudonangidza kuti pamamiriro yese pano zvakarezvi hamunai mhosva.
Publicidade