6 Yeukai kuti: adojara zvishoma anokohwawo zvishoma, noadojara zvizinji anokohwawo zvizinji. 7 Munhu wese mbaape sezvaadofunga mumwoyo mache, asingazvije mwoyo kana kusukumidziwa, ndava Mwari anoda anopereka nomufaro. 8 Uye Mwari anogona kukupasai ropafadzo rese ridowanda, kuti pazvinhu zvese nopanguwa dzese muve nozvidokwana zvichiwanziwa pakuita basa rese ridonaka. 9 Semanyorehwo yazvidoitiwa,
"Iye adoparadzira zvipo zvache kuvarombo,
kururama kwache kunogara nokusingapere."
10 Iye anopasa mujari mbeu nozingwa kuti chive chokuja achakupasai mbeu nokuingidzira goho renyu nondava yokuita kwenyu zvidorurama. 11 Muchapfumisiwa pazvese kuti mumbogara muchipereka, kuti kuburikidza nomatiri kupereka kwenyu kuvikire Mwari nhendo.
12 ndava kuitiwa kwoushumiri hwakarehu hworuyamuro kunopereraba pakundozazisa kusaya kwovatsvene asiwo kunopfachukira nonhendo dzizinji kuna Mwari.