7 Munofanira kutsunga pakurangiwa. Mwari ari kukubatai sevana vache, nokuti ngupi mwana asingarangiwe nababa vache? 8 Kana mukareka kurangiwa, sezvinoitiwa vana vese, muri vana vomasanganiswa hamuzi vana vache. 9 Pamusoro pozvakarezvi, isisu taiva nanababa vedu vopanyika vaitiranga uye taivakudza. Ko hatingazviise pasi paBaba vomweya yedu kuti tirarame? 10 Nokuti ivo vadotiranga kwonguwa ipfupi sezvavaida, asi iye anotiranga kuti zvitinakire sezvaadoona zvidokodzera, kuti tikovehwe utsvene hwache.