4 Nokuti imba imwe noimwe inovakhiwa nomunhu, asi muvakhi wozvinhu zvese ndiMwari. 5 Zvino Mozisi wanga adotendeka muimba yaMwari semuranda, kuti ave chapupu chozvinhu zvaidzonyairiwa pamasure. 6 Asi Khirisitu wanga adotendeka pamusoro poimba yaMwari seMwanakomana. Uye tiri imba yache kana tikabatitsitsa kuvimba kwedu nokuzvirumbidza mutariro yedu.