Pular para o conteúdo
Publicidade

1 Coríntios 15

45 Saizvozvo kudonyohwa kuti, "Munhu wokuthanga Adhamu adova munhu mupenyu," Adhamu wokupedzisira adova mweya unopasa upenyu. 46 Asi zvomweya ndizvoba zvidothanga asi zvonyama, pachidzotevera zvomweya. 47 Munhu wokuthanga wanga ari wonyika, adoitiwa noivhu, munhu wochipiri adobva kudenga. 48 Sezvanga zvidoita munhu woivhu, ndizvo zvidoitawo ivo voivhu, uye sezvidoita munhu wokudenga, ndizvo zvidoitawo vokudenga. 49 Sezvatidova nochimiro chomunhu woivhu, tichavawo nochimiro chomunhu wokudenga.

Veja também