14 Munhu asiri womweya anotambiraba zvinhu zvoMweya waMwari, ndava mbudzemwa kwaari, anokonaba kuzvinzvitsitsa ndava zvinotsvagitsitsiwa pamweya. 15 Munhu womweya anoongorora zvinhu zvese, asi iye pachake anoongororekaba nomunhu.
16 "Ndava mbani adoziva mufungo waIshe?
Mbani angamurairire?"
Asi isu tino mufungo waKhirisitu.