Uchenjeri hwaMwari
6 Asi pakati povakura pamweya tinonyaira shoko rouchenjeri, kana nepo husiri uchenjeri hwanasi kana hwovatongi vanasi, hudomirira kupfuruka. 7 Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari hudosvisvika, hudotemewa naMwari kare nyika isinati yavapo nokuda kwokubhwinya kwedu.