8 Kuno vasinai kuroora novajiche ndinoti kwavari hasa kuti varambe vari vega sezvidoita inini. 9 Asi kana vasingakwanise kuzvibata, mbavaroore kana kuroohwa. Ndava hasa kuroora kana kuroohwa panokukangika noshungu.
10 Kuno vadoroora ndinoraira, aikona inini asi Ishe, kuti mukadzi mbaareke kusiyana nomurume wache 11 asi kana akamusiya, mbaagare wega kana kudzokerana nomurume wache - uye kuti murume mbaareke kuramba mukadzi wache.