Phauro Anotenda Mwari
3 Kurumbidziwa mbakuve kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, Baba votsitsi naMwari vanopasa kunyaradza kwese, 4 anotinyaradza mukutambura kwedu kwese, kuitira kuti tikwanise kunyaradza avo vari pakutambura kupi nokupi, nokunyaradza kwatinonyaradziwa nako isisu naMwari. 5 Kuwanda kwokutambudzikira Khirisitu, ndokuwandawo kunoita kunyaradziwa kwedu kuchiuya kuburikidza naKhirisitu. 6 Kana tichitambudzika, zvinoitihwa kunyaradziwa noruponeso renyu, uye kana tichinyaradziwa, zvinoitihwa kunyaradziwa kwenyu, kunobereka mamuri kuchiirira nomwoyo murefu pamatambudziko mabodzi bodzi yatinoita. 7 Tariro yedu kwamuri haigwetedzeke, ndava tinoziva kuti pamunokovehwa mumatambudziko yedu, muchakovehwawo kunyaradziwa kwedu.