Shoko raMwari kuburikidza noMwanakomana wache
1 Kare Mwari adonyaira kumadzibaba yedu nomitoo mizinji uye nonzira dzidowanda kuburikidza novaporofiti, 2 asi mumazuva yakareyano yokupedzisira adonyaira kwatiri kuburikidza noMwanakomana wache, waadogadza kuva muji wonhaka yozvinhu zvese, waadosikawo naye zvinhu zvese.