20 Muchenjeri ari poi? Mudzidzisi womutemo ari poi? Nyamhoka wanasi ari poi? Anga uchenjeri hwonyika Mwari adohuitaba udzemwa nai?
21 Ndava sezvo, muuchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayene idotadza kuziva Mwari, zvidofadza Mwari kuburikidza noudzemwa hwozvatinoparidza kuti aponese vanotenda.